Accessibility links

Breaking News

MDC Inokwidza Nyaya yeZvanetsa kuSADC neAfrican Union


Bato reMDC rinoti ranyora tsamba dziri kutarisirwa kusvitswa kuSADC pamwe neAfrican Union, richikwidza zvarinoti zviri kukanganisa kufamba zvakanaka kwehurumende yemubatanidzwa.

Bato iri rakaita musangano waro weNational Council neSvondo kuMasvingo rikabuda nezvisungo zvakati kuti.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti munyori mukuru webato ravo, VaTendai Biti, vanyorera tsamba munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salamao, pamwe nasachigaro weAfrican Commission, VaJean Ping, vachida kuti masangano aya agadzirise zvinetswa zviri muhurumende yemubatanidzwa.

Studio7 yakundikana kubata VaBiti pachavo kuti vatiudze zviri mugwaro ravo.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kutadza kuwirirana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, panyaya dzekugovanwa kwemagavhuna ematunhu enyika, vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika, nyaya yagavhuna webhanga guru renyika, muchuchisi mukuru wehurumende, pamwe nenyaya yekugadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Asi vamwe vane ruzivo vanoti dzimwe nyaya dzainge dzawiriranwa, asi dzakange dzasara dzaive dzagavhuna weRBZ nemuchuchisi mukuru wehurumende.

Asi nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti hadzidaviri kuti VaMugabe vainge vawirirana muchokwadi naVaTsvangirai, panyaya yezvinhu zviri kunzi vakanga vawirirana.

Nyanzvi idzi dzinoti dai paine zvakanga zvawiriranwa nevakuru ava, dai zvinhu izvi zvakaudzwa veruzhinji pachena kuti ndiwo mamiriro akaita zvinhu munhaurirano idzi.

VaChamisa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vane tarisiro yekuti masangano maviri aya achakasika kuvapindura.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG