Accessibility links

Breaking News

MDC Inotungamirwa naVaMutambara Yopindwa ne Rushambwa


Bato reMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara rapindwa nerushambwa sezvo mubato iri mava nemakakatanwa anogona kuripatsanura.

Bato iri rinonzi ratumira matsamba ekudaidza nhengo mbiri dzinoti mumiriri weGwanda North mudare reparamende, VaThandeko Zinti Mnkandla, pamwe nemumiriri weTsholotsho North, VaMaxwell Dube, kuti vamiswe pamberi pedare rinoranga vanenge vatyora mitemo yebato.

Kunyorerwa tsamba kwevaviri ava kunoitika mazuva mashoma bato iri rambomisa basa dzimwe nhengo nhanhatu. Vakambomiswa mumiriri weNkayi North, VaAbednico Bhebhe, mumiriri weLupane East, VaNjabuliso Mguni, pamwe nemumiriri weBulilimangwe, VaNorman Mpofu.

Vamwe vakambomiswa ndisachigaro vezvechidiki, VaGift Nyandoro, nhengo yenational executive, VaJob Sikhala naVa Alex Goosen.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhutungamiri hwechikwata ichi.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVa Mnkandla kuti tinzwe zviri kuitika mubato iri.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG