Accessibility links

Breaking News

Vana Vadiki Vanogara Mumigwagwa Vobatsirwa


Chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa, Tendai Sean Joe, anoti ari kushungurudzwa nemagariro anoita vana vadiki mumigwagwa vachitsvaga zvinovararamisa.

Tendai anoti akatanga chirongwa chinonzi Trail Of Hope icho chichamupa mukana wekuchovha mudhudhudhu wake pasi rose achiedza kuratidza mararamiro anoita vana ava.

Chirongwa ichi chichatanga muna Nyamavhuvhu uye chichapa Tendai nemumwe wake, Albert Arcona, mukana wekuchovha midhudhudhu yavo munyika gumi nenhanhatu, idzo dzinosanganisira Zimbabwe.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naTendai kuti tinzwe nezvechirongwa chake che Trail Of Hope.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG