Accessibility links

Breaking News

IMF Yotumira Nyanzvi kuZimbabwe


Sangano reInternational Monetary Fund, IMF, svondo rinouya riri kutumira kuZimbabwe chikwata chenyanzvi dzichange dzichibatsira kubhanga guru renyika reReserve Bank pamwe nebazi rezvemari.

Chikwata ichi, icho chichange chiine vanhu vashanu, chiri kutarisirwa kugara munyika kwemasvondo maviri.

Rwendo rwechikwata ichi rwunotevera danho rakatorwa nebhodhi reIMF rekutanga zvakare kubatsira Zimbabwe nehunyanzvi asi ichiramba yakasunga midya yehomwe yemari.

Zimbabwe yakatorerwa masimba ekuvhota muna 2003 mushure mekunge yatadza kubhadhara zvikwereti zvayo.

Mugore ra1999 IMF yakadimura rubatsiro rwemari mushure mekunge Zimbabwe yatadza kuratidza shanduko munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzezveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaChitambara vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zvakakosha zvikuru kuti chikwata cheIMF ichi chinge chiri munyika, sezvo pane zvakawanda zvachinokwanisa kubatsira mukumutsiridza upfumi hwenyika uhwo hwanga hwawira mumatope.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG