Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yowana Mari yeKubatsira Makambani Asi yeVashandi Inoshaika


Hurumende inoti yakwanisa kuwana mari inosvika US$1 billion yekubatsira makambani kuti atange basa, asi mari yekupa hurumende pachayo inenge iri kunetsa kuwana.

Gurukota rezvekusimudzirwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, vanoti mari iyi yakabva muAfrica kuAfrican Development Bank, African Export-Import Bank uye SADC.

Asi gurukota rezvemari, VaTendai Biti, avo vari kumusangano weADB kuSenegal kwavari kupemherawo nyika mari, vanoti chanetsa apa inyaya yekuti mari yekubatsira bhajeti yehurumende haisi kuonekwa.

VaBiti vanoti Zimbabwe inoda US$200 million yekubatsira hurumende kuti ikwanise kupa vashandi vayo mari.

Pamari iyi, hurumende yawana US$35 million chete kubva kuChina neSouth Africa iyo ichida US$1 billion.

VaThomas Deve ndivo mumiriri weUnited Nations Millenium Campaign uye vari kumusangano weADB kuSenegal.

VaDeve vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti kubva kumusangano uyu, Zimbabwe inokwanisa kuwana chouviri sezvo pave nehurumende yemubatanidzwa iyo vakawanda vane chivimbo nayo kwete yange iripo yaVaMugabe neZanu-PF.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG