Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Votarisirwa Kupedza Zvinetswa neChishanu?


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe chete nemutevedzeri waVaTsvangirai, VaArthur Mutambara, vanonzi vabvumirana kuti vachazotaura nevatori venhau neChishanu kana vachinge vawirirana kuti vopedza sei nyaya dzasaririra muhurumende yemubatanidzwa.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa nevatatu ava neChipiri, uyo watadza kupedza zvimwe zvasara zvri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa. VaTsvangirai vaimbenge vati zvose zvasara zvinopedzwa neMvuro, uye veruzhinji vaizoudzwa neChipiri mamiriro akaita zvinhu asi zvakona n’anga murapwa achida.

Vanoziva nezviri kuitika muhurumende vaudza Studio7 kuti vatatu ava vaenderera mberi vachikurukura nyaya dziri kunetsa, idzo dzinosanganisira yagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, uye gweta guru rehurumende, VaJohannes Tomana.

Nyaya dziri kunzi dzinenge dzawiriranwa inyaya dzemagavhuna, vanyori mumapazi ehurumende, uye vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika.

Asi zvinonzi hapana zvati zvanyatsonyoreranwa pasi. MDC, iyo yakange yati zvose zvasara zvigadziriswe neMuvhuro, inoti Standing Committee yayo ichazeya nyaya iyi neChitatu.

Standing Committee ichapira nyaya iyi ku National Executive, iyo iri kuita musangano neChishanu.

Mushure mezvo, National Council yeMDC ichaita musangano wayo neSvondo, uye nyaya huru ichange ichizeyiwa ndeye mamiriro akaita zvinhu muhurumende yemubatanidzwa.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika.

VaMangongera vaudza Blessing weStudio7 kuti VaMugabe ndivo vasiri kuda kuti nyaya iyi ipere.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG