Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Voronga Kuramwa Mabasa


Sangano rinomirira vashandi vehurumende rePublic Service Association rinoti nhengo dzaro dzicharamwa mabasa kana hurumende ikatadza kuwedzera mari dzavanotambira mumazuva mashoma anotevera.

Sangano iri rinoti rapa hurumende kusvikira musi wa 22 Chivabvu kuti inge yagadzirisa zvichemo zvevashand.

Public Service Association iri kuchema nekuti hurumende iri kukoshesa zvido zvevarairidzi kudarika vamwe vashandi vehurumende.

Hurumende yakabvumira varairidzi sondo rapfuura kuti vaendese vana vavo kuzvikoro zvehurumende vasingabhadari mari dzechikoro, izvo zviri kugumbura vamwe vashandi vehurumende.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezve vashandi vehurumendem, kana kuti Public Service, Professor Elphas Mukonoweshuro, kuti tinzwe divi rehurumende.

Va Jeremiah Bvirindi ndivo mutevedzeri wemunyori mukuru we Public Service Association.

Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro naVaBvirindi kuti tinzwe pamire sangano ravo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG