Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara Vanosangana Zvakare


Vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa vasangana zvakare muHarare neMuvhuro kuti vazeye misaridzirwa iri kunetsa kubva pakaumbwa hurumende iyi muna Kukadzi gore rino.

Zvinonzi vatatu ava, avo vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumemde, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri waVaTsvangirai, VaArthur Mutambara, vabva vapinda mumabiko nevemabhizimusi vachingobva mumusangano wavaita uyu.

Hatina kukwanisa kunzwa kuti zvii zvawiriranwa pamusangano uyu. Asi zvanga zvasara zvinonzi zvichiri kunetsa inyaya yagavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende.

VaMugabe naVaTsvangirai vanonziwo havasi kuwirirana panyaya dzekugovanwa kwemagavhuna ematunhu, vanyori vemapazi ehurumende, nyaya dzevasungwa vezvematongerwo enyika, pamwe nekugadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurimwa.

Mashoko atiri kutambira kubva kuSouth Africa anoti VaTsvangirai vakazivisawo mukupera kwesvondo kuti zvizhinji zvakanga zvagadziriswa zvose, uye veruzhinji vaizoziviswa mamiriro akaita zvinhu neChipiri.

Asi mamwe mashoko ari kubva kuSouth Africa anotiwo VaTsvangirai vakaudza vatori venhau kuti hapana nguva yakatarwa yekuti vange vapedza kusawirirana kwavo naVaMugabe. Vachitaura neInter Press Service Agency, VaTsvangirai vakati hukama hwavo naVaMugabe hwakafanana nemuchato mumba, uyo unogona kusanganawo nezvipingaidzo zvakawanda.

VaTsvangirai vakati vane tarisiro yekuti kunetsana kuripo, kuchange kwapera munguva pfupi iri kutevera.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe.

Professor Makumbe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti kutaurirana kwevarume ava kuchiri kuenderera mberi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG