Accessibility links

Breaking News

Vanonetsekana neMaziso Vobatsirwa Pachena


Vanhu vanodarika mazana maviri vanga vachinetsekana nemaziso, vakabatsirwa nesaangano reLions Club of Harare West, kuti vaoparetwe maziso avo nevana chiremba, kuitira kuti vaone zvakanaka.

Vose vakabatsirwa ava muhurongwa hwakatanga neMuvhuro hukapera neChishanu, havana mari dzavakanzi vabvise.

Mumwe weavo vakabatsirwa nechirongwa ichi, icho chinoitwa kamwe chete pagore, ndiVaArthur Rusheshe, avo vanoti vakafara zvikuru nerubatsiro urwu.

Mukuru weLions Club of Harare West, VaClever Mugadza, vanoti sangano ravo rinonzwa kufara nekukwanisa kubatsira vanhu vanoshaya.

Sangano iri rinotsvaga mari pagore rega rega yekuti ishandiswe mukubatsira vanhu vanonetsekana nenyaya yemaziso.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG