Accessibility links

Breaking News

Masangano Anobatsira Ogadzirira Kutangazve Kupa Vanhu Chikafu


Sangano reChristian Care rinoti ringangotanga chirongwa chekupa vanhu chikafu mwedzi unouya sezvo goho remwaka uno riri kuratidza kunge richaita shoma.

National Director veChristian Care, Reverend Forbes Matonga, vanoti kunyange hazvo vamwe vanhu vave kukwanisa kuwana chikafu mune dzimwe nzvimbo, kushaikwa kwemari yekunze kuri kukanganisa avo vasina mukana wekuwana mari iyi kuti vatenge chikafu.

Sangano re World Food Program rinoti vanhu vanosvika zvikamu makumi manomwe kubva muzana, vachada chikafu kutanga mumwedzi waChikunguru.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naReverend Matonga kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu panyaya yechikafu munyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG