Accessibility links

Breaking News

VaMugabe, VaMutambara naVaTsvangirai Vanotadza Kuita Musangano


Musangano wechitanhatu pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri waVaTsvangirai, VaArthur Mutambara, hauna kuenderera mberi neMuvhuro sezvanga zvakarongwa.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vaudza Studio7 kuti musangano uyu uchaitwa neChipiri mushure memusangano wedare remakurukota. VaMaridadi havana kutaura chikonzero chapa kuti musangano uyu usaitwe sezvanga zvakarongwa.

Vatatu ava vari kunetsana pamusoro penyaya yehumbimbindoga huri kuitwa naVaMugabe, avo vakadoma magavhuna ematunhu enyika vasina kugara pasi nevamwe vavo, sezvinodiwa nechibvumirano chavakanyorerana pasi.

Vatatu ava vari kunetsanawo panyaya yevanyori vemapazi ehurumende, vamiriri veZimbabwe kunze kwenyika, gavhuna webhanga guru renyika, muchuchisi mukuru wehurumende, kugadzwa kwaVa Roy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, pamwe nenyaya yevasungwa vezvematongerwo enyika.

Vatatu ava vaita misangano inosvika mishanu pasina chiri kubuda. Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti zviri kuitwa naVaMugabe zviri kuburitsa pachena pfungwa dzavo VaMugabe dzekuti havana kupinda muchibvumirano ichi nemoyo wese. Nyanzvi idzi dzinoti kunetsana kwevarume vatatu ava kuchapedzisira kwaenda zvakare kuSADC, zvinova zvinhu zvinonyadzisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...



XS
SM
MD
LG