Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inokurukurwa neHutungamiri hweIMF


Dare repamusoro soro reInternational Monetary Fund, kana kuti IMF, rasangana muWashington D.C neMuvhuro kuti rikurukure pamusoro pegwaro reongororo yakaitwa nechikwata chesangano iri chakashanya kuZimbabwe muna Kurume. Gwaro iri rinonzi Article IV.

Gwaro iri rinonzi rakabatawo nyaya yenzara nekushaikwa kwemabasa munyika, richiti vanhu zvikamu makumi manomwe kubva muzana, vanoda rubatsiro rwechikafu sezvo zvinhu zvisiri kumira zvakanaka munyika.

IMF inotiwo Zimbabwe inoda mari inoita mamiriyoni mazana maviri emadhora ekuAmerica yekushandisa muhurumende, uye imwe mari inoita mazana maviri emamiriyoni emadhora ekuAmerica yekushandisa muhutano, dzidzo, uye chikafu.

Panga paine tarisiro yekuti IMF ingangobvisa zvirango zvekubatsira nehunyanzvi zvayakatemera Zimbabwe, asi isingapi rubatsiro rwemari.Studio7 haina kukwanisa kunzwa zvakurukurwa mumusangano uyu apo taenda kumhepo.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaChitambara vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kana IMF yakabvisa zvirango zvekubatsira nehunyanzvi, havaoni ichipa rubatsiro rwemari kuZimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG