Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Zimbabwe Inoda US$45 Billion Kuti Igadzirise Hupfumi


Sangano reIMF rinoti panofanirwa kuumbwa homwe yemari ichabva kumasangano akasiyana siyana, kana kuti Multi Donor Trust Fund, iyo ichashandiswa mukusumidzira hupfumi hweZimbabwe.

IMF inoti Zimbabwe inoda mari inoita mabhiriyoni makumi mana nemashanu emadhora eku America, iyo ichashandiswa kwemakore mashanu mukuumba hupfumi hwenyika.

Vanenge vachiona nezvehomwe iyi ndeve IMF, World Bank, Africa Development Bank, UNDP uye bazi rezvemari muZimbabwe.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti homwe iyi ichaumbwa nekuti vose vanopa mari vanoti havasi kuda kuti gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, vaise minwe yavo pamari iyi.

VaGono vari kupomerwa mhosva yekutora mari dzevanhu mumabhanga zvisiri pamutemo uye kudhinda mari zvakaita kuti nyika igwadame.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaChitambara vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti mari iri kudiwa inoratidza kuti nyika yaita mamvemve.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG