Accessibility links

Breaking News

Dr Madzorera: Vanhu Ngavangwarire Chirwere cheSwine Flu


Gurokota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vari kuyambira veruzhinji kuti vagare vakangwarira chirwere che Swine Flu icho chanetsa pasi rose kunyange hazvo pasati pane munhu ati abatwa nechirwere ichi muZimbabwe.

Dr Madzorera vanoti bazi ravo riri kushanda nemasangano akaita se World Health Organization, kuitira kuti nyika isabatwe nechirwere ichi yakavarairwa.

Chirwere ichi chinonzi chauraya vanhu vanodarika zana nemakumi mashanu ane vapfumbamwe ku Mexico. Egypt inonzi yati nguruve dzose dziurayiwe kuitira kuti chirwere ichi chisabate vanhu munyika iyi.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaMadzorera pamusoro pematanho ari kutorwa nehurumende mukudzivirira chirwere che Swine Flu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG