Accessibility links

Breaking News

Vari Kushanda Zvakanaka Vokurudzirwa Kubviswa paZvirango


Sangano reNetherlands Institute for Multiparty Democracy, iro rinokurudzira hutongi hwejechetere pasi rose, riri kukurudzira nyika dzekumawirira dzakatemera zvirango vamwe vatungamiri vehurumende muZimbabwe, kuti dzibvise zvirango izvi kuvatungamiri muhurumende yemubatanidzwa vari kuratidza kutambira shanduko.

Sangano iri rinoti hurumende yemubatanidzwa yaratidza kuzvipira kushandura zvimwe zvezvinhu zvainzi nehurumende yaVaMugabe hazvishandurwe, zvakafanana nekunyorwa kwebumbiro remitemo idzva.

Sangano iri rinoti vari muhurumende iyi vakatemerwa zvirango, vanofanirwa kuongororwa mashandiro avo zvakare, paine chinangwa chekubvisa zvirango zvekufamba kuvanhu vari kutevedza mitemo yekodzero dzevanhu munyika.

VaFarai Mamina vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishandira vari kuNamibia.

VaMamina vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti hurumende iripo iyi inofanirwa kupihwa mukana kuitira kuti igadzirise zviri kunetsa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG