Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oga Anoti Hurumende Ayisa Kuremekedza  GPA


Masangano akazvimirira oga anotiwo hurumende yemubatanidzwa haisi kunyatso remekedza chibvumirano chakanyoreranwa pakati pemapato matatu muna gunyana gore rapera.

Mashoko aya abuda mugwaro raburitswa nemasangano anopfuura makumi matanhatu ari kuongora kutevedzerwa kwechibvumirano ichi.

Masangano aya anoti akatanga kuongorora zviri kuitika muchibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa kubva musi wachanyoreranwa pasi kusvika muna kurume.

Masangano aya anoti achange achiburitswa gwaro rezve mashandiro ehurumende yemubatanidzwa mwedzi wega wega kutanga muna kubvumbi.

VAbel Chikomo ndivo Executive Director veZimbabwe Human Rights NGO Forum.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChikomo pamusoro penyanya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG