Accessibility links

Breaking News

Hurukuro dzeTNF Dzinotanga Zvakare


Hurukuro dzinoitwa pakati pevashandi, vashandirwi, pamwe nehurumende pasi pechirongwa cheTripartite Negotiating Forum, kana kuti TNF, dzamutsiridzwa muHarare neChishanu.

Vapinda muhurukuro idzi vanosanganisira gurukota rezvemabasa nevashandi, Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya, mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, pamwe nevamiriri vevashandirwi, avo vanosanganisira VaJohn Mufukari.

Hurukuro dzinoitwa muTNF dzakambosendekwa muna Nyamavhuvhu wegore rapera.

Sangano remubatanidzwa wemasangano evashandi pasi rose, reInternational Labour Organisation, ndiro rakakurudzira kuti hurukuro idzi dzimutsiridzwe. Vamiriri vevashandirwi vanoti vafadzwa nemusangano uyu.

Ukuwo mutungamiri weZCTU, VaMatombo vaudza, Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vane tarisiro yekuti pangangowiriranwa pane zvizhinji zviri kuda kusungwa muTNF.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG