Accessibility links

Breaking News

ILO Inokurudzira Kuchengetedzwa kweKodzero dzeVashandi


Sangano re International Labour Organisation, kana kuti ILO, rapemberera neChitatu kuvambwa kwakaitwa sangano iri makore makumi mapfumbamwe apfuura. Pahurongwa uhu, sangano reILO rapururawo hurongwa hunotsigira mashandiro akanaka evashandi, kana kuti Decent Work Country Program. Sangno iri rayambirawo vashandirwi pamwe nehurumende, kuti kodzero dzevashandi dziremekedzwe.

Hurongwa hwaparurwa muHarare hwanga hwakanangana nekugadzirisa zviri kunetsa pakati pevashandi, hurumende pamwe nevashandirwi.

Vachitaura vakamirira ILO, Va Alfonso Tabi-Abodo, vati zvinhu zvinofadza kuti Zimbabwe yapinda muhurongwa hwekuvandudza hupfumi hwenyika, izvo zvichapa kuti vemabhizinesi vatange makambani matsva, kana kumutsiridza makambani ange otadza kushanda zvakanka.

Vati izvi zvichapa mukana wekuti vashandi vawane mabasa, izvo zvinozopa kuti nyika isimukire. VaTabi-Obodo vatiwo Zimbabwe inofanirwa kuchengetedza mitemo yevashandi, uye kuona kuti vashandi vapihwa kodzero dzavo dzakakwana, uye kumiswa zvachose, kushandiswa kwevana vari pasi pezera rekuva vashandi.

Mutungamiri we Zimbabwe Congress of Trade Unions, VaLovemore Matombo, vati sangano ravo riri kutarisira kuti chirongwa ichi chichabatsira vashandi vemuZimbabwe zvikuru. VaMatombo vatiwo mumakore gumi apfuura, vashandi vemuZimbabwe vanga vachitambura zvikuru.VaMatombo vatiwo vane tarisiro yekuti vashandi vachawana remekedzo yakakwana, kuitira kuti hupfumi hwenyika husimudzirwe. Vatiwo kana munyika musina vashandi, hapana budiriro ingaitwe, sezvo makambani achida vashandi vanoita basa.

Kunyange hazvo ILO iine hurongwa hwe Decent Work Program nedzimwe nyika dzakawanda pasi rose, Zimbabwe yanga isati yambopinda pachirongwa ichi. Kwemakore akawanda, vashandi, vashandirwi, pamwe nehurumende, vanga vachitadza kuwirirana muchirongwa che Tripartite Negotiating Forum, kana kuti TNF. Hurongwa hweILO hunotarisirwa kuti hushandiswe mukumutsiridza chirongwa cheTNF.

Vakokwawo kumusangano uyu, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vati vanoona hurongwa hwauya ne ILO huchibatsira hurumende yavo yemubatanidzwa, apo iri kuedza kumutsiridza hupfumi hwenyika.


Vamwewo vanga vari pamusangano uyu vanosanganisira vamiriri vevashandirwi, gurukota rezvevashandi, Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya, gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika, VaJohn Nkomo, gurukota muhofisi yemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaGibson Sibanda, pamwe negurukota rezve vechidiki, VaSavious Kasukuwere nevamwe vanyarikani.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG