Accessibility links

Breaking News

ICC Yokurudzira Zimbabwe Cricket Kugadzirise Zvinhu


Vatsigiri vemutambo wekiriketi vanoti vari kufadzwa nezvatarwa nesangano re International Cricket Council, iro riri kuedza kusimudzira mutambo wekiriket munyika, kuitira kuti Zimbabwe Cricket idzokere mumutambo wemakwikwi, kana kuti test cricket.

Zimbabwe yakabuda mumakwikwi aya muna 2006, zvichitevera kusamira zvakanaka kwanga kwaita mutambo wekiriketi mugore iri.

Sangano re ICC rakurudzira Zimbabwe Cricket kuti igadzirise mamiriro ezvinhu, zvikurusa mitambo inotambirwa munyika ye Domestic League, isati yafunga kudzokera kumitambo ye test cricket.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemuongorori wemutambo wekiriketi, VaBrian Goredema, kuti tinzwe maonero avo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG