Accessibility links

Breaking News

VaGono Vanoti RBZ Yaishandisa Mari dzeMasangano Akazvimirira


Gavhuna webhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, vava kuonekwa nevamwe vanhu semunhu ari kuomeserwa nemamiriro aita zvinhu muhurumende muhurumende yemubatanidzwa.

NeMuvhuro VaGono vakabvuma kuti banga guru rainokora muhomwe dzemasangano akazvimirira oga pamwe nemakambani ekunze, kuitira kuti risimudze hurumende yaVaMugabe iyo yakanga yonyura mumadhaka enyaya dzezvehupfumi.

VaGono vakabvuma kuti bhanga guru renyika raitora mari dzinenge dzichifanirwa kuiswa mumabhanga emasangano aya. VaGono vanonzi vari mushishi kuzama kudzosera mari idzi.

Kuratidza kuti vava kubvumawo kuudzwa zvekuita negurukota idzva rezvemari, VaTendai Biti, VaGono vanonzi vakanyorerawo tsamba nhengo dzeparamende dzakanga dzatambira motokari kubva kwavari kuti dzidzosere motokari idzi, sekutaurwa kwakaitwa naVaBiti.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaGono kanawo VaTendai kuti tinzwe pfungwa dzavo vaviri ava.

Asi chiitiko ichi chava kuonekwa nevamwe sekunge VaGono vava kushandura mashandiro avo. Pane mashoko anotiwo VaGono havasi kukwanisa kubatana naVaBiti parwendo rwekushanya kuno kuAmerica rwavari kuita svondo rino, uko vari kutarisirwa kusangana nevakuru vakuru veIMF pamwe neWorld Bank.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi, Doctor Godfrey Kanyenze, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti panotoda kuitwa ongororo nesangano rakazvimirira kuti VaGono vaifambisa sei basa ravo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG