Accessibility links

Breaking News

Chiwoniso Mairaire naComrade Fatso Voimba Vari muWashington DC


Kuchange kusingadanwe anonzwa neMugovera manheru mu Washington DC, apo muyimbi ane mukurumbira, Chiwoniso Maraire, achange achiridza mimhanzi pagungano rekurangarira kutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Dingindira rehurongwa uhu rinonzi “Human Rights Solidarity Concert”.

Mumwe achange achiimbawo pa Festival Center, yepachikoro che Servant Leadership School chiri muWashington DC muNorthwest, ndi Comrade Fatso nechikwata chake cheChabvondoka nevamwe vaimbi.

Mafaro aya ari kuitwa pazuva rekurangarira kuwana kuzvitonga kwakaita Zimbabwe muna 1980.

Sangano re Africa Action ndiro rakaronga hurongwa hwe “Human Rights Solidarity Concert”. Director of Campaigns muAfrica Action, VaBriggs Bomba, vanoti chirongwa chemafaro eMugovera ndechekuti vanhu vazive zviri kuitika muZimbabwe.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naChiwoniso nezvechirongwa chekuimba ari muWasgington DC neMugovera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG