Accessibility links

Breaking News

SADC Yoenda Kunosunzira Zimbabwe kuAmerica


SADC yave kutarisirwa kutumira Svondo rinouya chikwata chemakurukota ezvemari kuAmerica kuti chitsvage rutsigiro rwekubatsira Zimbabwe.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti SADC iri kukundikana kuumba homwe yemari yekubatsira Zimbabwe.

Kusvika pari zvino, South Africa neBotswana ndidzo chete dzabuda pachena nemari yadziri kubatsira nayo zimbabwe.

South africa yakapa Zimbabwe R800 million, Botswana ikapa US$70 million. Executive Secretary weSADC, VaTomaz Salamao, ndivo vachange vachitungamira chikwata chemakurukota ezvemari muSADC chiri kuenda kuWashington. Chikwata ichi chichataura nehurumende yeAmerica uye veIMF neWorld Bank.

VaProsper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute.

VaChitambara vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti nyika dzemuSADC dziri kunetsekawo nemari nekudaro hadzingabatsire Zimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG