Accessibility links

Breaking News

Mhenderero dze Independence Dzokita Mutauro Pakati peZanu PF neMDC


MDC inoti iri kukurudzira nhengo dzayo kuti dziende kumhemberero yezuva rekucherechedza kuwana kuzvitonga kuzere nemusi weMugovera, sezvo chiitiko ichi chisiri chebato rimwe chete, asi kuti chenyika yose.

Makore ose apfuura kubva pakawana nyika kuzvitonga, bato reZanu PF ndiro ranga richitungamira roga hurongwa uhu, asi gore rino zvinhu zvashanduka sezvo pava nehurumende yemubatanidzwa.

Kunyange hazvo paine kurudziro yekuti vanhu vaungane pamwe chete, mune mamwe matunhu, nhengo dzeMDC dzinoti dziri kurambidzwa kupindawo mukurongwa kwemhemberero idzi.

Mutauriri weMDC uye vari gurukota rezvekusimudzirwa kwehunyanzvi hwekufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, vanoti vachatumira zvikwata zvichagadzirisa matambudziko ari kutarisana nevanhu mumatunhu ari kunetsa aya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG