Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Votatsurana muHurumende Itsva


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa neChina kugara pasi kuti vezeye nyaya dzose dziri kutemesa musoro hurumende yemubatanidzwa.

Vane ruzivo nezviri kuitika muhurumende vanoti vamwe vachange vari pamusangano uyu vanosanganisira vatevedzeri vaviri vaVaMugabe, Amai joyce Mujuru naVaJoseph Msika, uye vatevedzeri vaviri vaVaTsvangirai, VaArthur Mutambara naMuzvare Thokozane Khupe.

Nyaya dzinenge dziri mudariro dzinosanganisira dzemagavhuna ematunhu, gakava panyaya yagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, kusawirirana nekugadzwa kwemuchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, nyaya yekutorwa kweminda, uye vamwe veMDC vachiri muhusungwa.

Imwe ichazeyiwa inyaya yekubviswa kwemasimba kubva kubazi rinotungamirwa negurukota rezvehunyanzvi mukufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa.

Kusagadziriswa kwenyaya idzi kunonzi ndiko kuri kupa kuti dzimwe nyika dzirambe kubatsira Zimbabwe nemari. SADC, iyo yainge yati ichabatsira Zimbabwe nemari yekusimudzira hupfumi hwenyika, iri kutatarika kuzadzisa zvayakavimbisa.

Panyika dziri muSADC, South Africa chete ndiyo yakwanisa kubatsira Zimbabwe nemari inoita R800 million. SADC yave kuti kutarisira kuti, pamwe neChishanu dzimwe nyika dzingangotaura padzakwanisa kuwana.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti pachava nemakakatanwa pakati paVaTsvangirai naVaMugabe pakugadzirisa zviri kunetsa pakati pevaviri ava.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG