Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kufa neKorera Hodzikira


Sangano reUnited Nations Children's Fund (UNICEF) rinoti huwandu hwevanhu vari kufa nekorera munyika mazuva ano, hwadzikira zvikuru, kana zvichienzaniswa nezvange zvichiitika mukutanga kwegore.

UNICEF inoti izvi zviri kukonzerwa nenyaya yekuti vanhu vakawanda vave neruzivo rwekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi.

Sangano re World Health Organization rinoti vanhu vafa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu, vasvika pa 4 154, uye vanhu vakabatwa nechirwere ichi, vasvika pa 95 738.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nevanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reUNICEF muZimbabwe, Muzvare Tsitsi Singizi, kuti tinzwe mamiriro aita zvnhu munyaya dzekorera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…


XS
SM
MD
LG