Accessibility links

Breaking News

Inflation Inodzikira neZvikamu Zvitatu Kubva muZana.


Sangano reCentral Statistical Office rinoti inflation, iyo yakaderera nezvikamu zvinoita -3% muna Kukadzi, yadzika zvakare nezvikamu zvitatu kubva muzana, kana kuti 3% mumwedzi uno waKubvumbi.

Mitengo yezvinhu yakatanga kudzika hurumende payakati pashandiswe mari yekunze mukutenga zvinhu.

CSO inoti mhuri ine vanhu vashanu yave kuda mari inosvika US$461 pamwedzi kuti ikwanise kurarama.

Asi sangano reConsumer Council of Zimbabwe rinotiwo mhuri ine vanhu vatanhatu, yave kuda mari inosvika US$386 kubva paUS$374 muna Kukadzi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti dziri kutarisira kuti mitengo yezvinhu icharamba ichidzika sezvo hurumende yati veZesa nemakanzuru vadzikise mitero inobvisiswa vanhu.

VaThomas Mutandwa mugari wemurimuka kuKadoma. VaMutandwa vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti kunyange hazvo mitengo yadzika, vanhu havana mari yekutenga zvinhu muzvitoro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG