Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Hurongwa hweKuumba  Bumbiro Idzva reMitemo


Hurongwa hwekutsvaga pfungwa dzakasiyana siyana pamusoro pekuumbwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, hwakaparurwa munyika neChitatu, kuburikidza nemusangano wakaitwa muHarare, uyo wakapindwa nemasangano akasiyana siyana pamwe negurukota rezvebumbiro remitemo yenyik pamwe nematare eparamende, Advocate Eric Matinenga.

Sangano reNCA, iro riri kurwira kuti munyika muve nebumbiro remitemo idzva rinobva muvanhu, harina kupinda mumusangano uyu.

NCA yaitawo musangano wayo nenhengo dzeparamende, asi nhengo dzeMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, dzinonzi hadzina kupindawo musangano uyu. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti seyi nhengo dzeMDC dzisina kupinda mumusangano uyu.

Sangano reNCA rinoti riri kutyira kuti hurumende ichashandisa masimba ayo kushandura zvinenge zvabva muvanhu, izvo zvinozoita kuti hurongwa hwose uhu hushaye basa.

Mukuda kunzwa zviri kutora nzvimbo uye maonero evamwe, Jonga Kandemiiri weStudio7 aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Professor John Makumbe, pamwe naNational Director weNCA, VaErnest Mudzengi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG