Accessibility links

Breaking News

Hurumende Ichatambira Bumbiro Richabva Muvanhu


Hurumende inoti haisi kuzotora bumbiro remitemo yenyika rakanyorwa kuKariba muna Gunyana wegore ra2007, sezviri kufungwa nevanhu vakawanda, asi kuti ichatambira bumbiro richabva muvanhu.

Vachitaura pamusangano wekukurukura nezvekunyorwa kwebumbiro remitemo yenyika idzva, uyo wapindwa nemasangano anodarika gumi, gurukota rezvemashandiro ebumbiro remitemo yenyika pamwe nezvematare eparamende, Advocate Eric Matinenga, vazivisa kuti gwaro rakanyorwa kuKariba, richangotorwawo semamwe magwaro akaita serakanyorwa neNCA, nemamwe ose akasiyana siyana.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG