Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ichagadza Makomishina eZimbabwe Media Commission


Hurumende inoti ichagadza makomishina achange achishanda mu Zimbabwe Media Commision, mukati memazuva makumi matatu anotevera, zvichitevera kuvandudzwa kwebumbiro remitemo, kuburikidza ne Constitutional Amendment Number 19.

Sangano iri ndiro richatsiva basa ranga richiitwa ne Media and Information Commission, uye ndiro richange richiona nezvekupihwa kwemarezenisi ekudhinda mapepanhau kana kutanga dzinhepfenyuro munyika.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vari kutarisirwa kunge vachitungamira hurongwa hwekugadza makomishina achange ari muZimbabwe Media Commission, vachishanda pamwe chete nenhengo dzeparamende, sezvinodiwa nemutemo.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJameson Timba, vanoti hurongwa uhu hwakanangana nekuvandudza mitemo yezvenhau.

Hurumende yanga yeZanu PF yakavhara zvechisimba mapepanhau eThe Daily News, The Daily News On Sunday, Tribune nemamwe, apo VaJonathan Moyo vaive gurukota rezvekuburitswa kwemashoko.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti muZimbabwe hamusati mamboita gurukota rezvekuburitswa kwemashoko rine hukasha kudarika hwaVaMoyo.

Zvichitevera kuvharwa kwemapepanhau aya, vatori venhau vakawanda vakarasikirwa nemabasa, vamwe vakabuda munyika vachinotsvaga mafuro manyoro.

Vatori venhau vakawanda vave netarisiro yekuti hurumende yemubatanidzwa ichaita basa rayo nemazvo kuitira kuti munyika muve nemapepanhau akawanda, uye dzinhepfenyuro dzakazvimirira.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaTimba kuti tinzwe zviri kuitwa nebazi ravo mukugadzirisa zvinhu zvakasiiwa zvabvonyongodzwa nehurumende yeZanu PF.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG