Accessibility links

Breaking News

UNICEF Yocherera Vanhu Zvibhorani zveMvura


Sangano re World Health Organisation rinoti vanhu vanosvika zviuru zvina nezana rine makumi maviri nevanomwe, kana kuti 4 127, vakafa nechirwere chekorera kusvika neChitatu, uye vanhu vanodarika 94 277 vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Sangano reUnited Nations Childrens’ Fund rinoti riri kufadzwa nechirongwa charo chitsva chekuchera zvibhorani munzvimbo dzakasiyana siyana muHarare.

UNICEF inoti yakachera zvibhorani makumi manomwe zviri kutoshandiswa neveruzhinji pari zvino. Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nevanoona nezvekuburiswa kwemashoko mu UNICEF muZimbabwe, Tsitsi Singizi, kuti tinzwe mamiro akaita dambudziko rekorera munyika pari zvino.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG