Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeZimbabwe  Yonetseka Kuwana Rubatsiro


Kunyange hazvo sadc yakapa kurudziro yekuti nyika dzakabudirira dzipe Zimbabwe mari yekuti ibatsirikane, nyika dzakawanda dzichitungamirwa neAmerica nenyika dzemu European Union, dzichiri dzakasunga homwe.

Nyika idzi dzakasangana muWashington DC musi wa 17 Kurume dzikati kuti dzibatsire Zimbabwe, dzinoda kuti pagadziriswe nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu, kutorwa kwemapurazi, kuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nekuburitswa kwemashoko, uye kugadzirisa gwara rezvehupfumi rakati tsvikiti nezvimwe.

Asi hurumende yemubatanidzwa inoti zvakawanda zvirikugadziriswa nekudaro Zimbabwe ngaipihwe mari.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vayedza kuita zvose zvingadiwe zvekuti vari kushamisika kuti sei pombi dzemari dzichiri dzakavharwa.

Gurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti, vanotiwo hurumende ikasawana rubatsiro, inoguma yoita seSomalia iyo isina anotungamira nenyaya yehondo.

Mukuzeya nyaya iyi,mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 abata VaPedzisayi Ruhanya, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachiita zvidzidzo zvepamusoro paMinnessota State University muno muAmerica, pamwe naVaMusekiwa Makwanya, muongorori wenyaya dzezvematongerwo enyika.

Vaviri ava vatenderana kuti Zimbabwe inofanira kupihwa rubatsiro asi naiyowo yorega kubhunyikidza vanhu.

Dzimwe Nhau kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG