Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kufa neKorera Hodzikira


Sangana reWorld Health Organisation rinoti kusvika neMuvhuro vanhu vanosvika 4115 vakafa nechirwere chekorera, uye vanhu vanodarika 94013 vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Sachigaro vesangano re Zimbabwe Association Of Doctors For Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo, vanobvuma kuti huwandu hwevanhu vari kufa nekorera kwadzikira, uye vanoti izvi zvingangove zviri kubatsirwa nekunaya kwemvura kuri kuita kuti vanhu vawane mvura yekunwa yakachena.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaGwatidzo kuti tinzwe zvizere nezvemamiriro akaita dambudziko rekorera munyika.


Dzimwe Nyaya Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG