Accessibility links

Breaking News

Professor Dzinotyiwei: Harare Inofanirwa Kugadzirisa Pombi dzeMvura


Mumiriri weBudiriro mudare re House Of Assembly, uye vari gurukota rezvemabasa ehunyanzvi, kana kuti Science and Technology, Professor Heneri Dzinotyiwei, vanoti kanzuru yeguta reHarare inofanirwa kugadzirisa pombi dzinotakura tsvina, pamwe nepombi dzinotakura mvura yakachena, kuitira vanhu vasatabatwe nechirwere chekorera.

Chirwere ichi chakanyanya kuvhiringa vagari vemuBudiriro.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti kusvika neSvondo vanhu vanosvika zviuru zvina nezana rine vanhu gumi nemumwe, kana kuti 4,111 vakafa nechirwere chekorera, uye vanhu vanodarika 93,849 vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti chirwere chekorera chinorapika nyorenyore, kunyange hazvo hurumende iri kukundikana kupedza dambudziko iri. Zimbabwe yakatarisana nenguva yakaoma zvekuti iyo pachayo, haikwanisi kubhadhara vashandi vemuzvipatara, kutenga mishonga nezvimwe zvakadaro.

Masangano akaita seWHO ne UNICEF ndiwo ari kuedza nepaanogona napo kubatsira Zimbabwe kuti irwise chirwere chekorera.

Professor Dzinotyiwei vanoti zvakakosha kuti nyaya dzepombi dzemvura dzigadziriswe nechimbichimbi.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaDzinotyiwei kuti tinzwe mamiriro akaita dambudziko rekorera mudunhu ravanomirira muparamende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG