Accessibility links

Breaking News

SADC Inoti Ichabatsira Zimbabwe Mukutsvaga Mari


Zimbabwe yakumbira nyika dzemuSADC kuti dziibatsire mukutsvaga mari yechikwereti iri pakati pemabhiriyoni masere nemabhiriyoni gumi emadhora ekuAmerica, kuitira kuti igadzirise zviri kunetsa mukusimudza hurumende yemubatanidzwa.

Nyika dziri muSADC, dzati dzichatsvaga nzira dzekubatsira Zimbabwe nemari iyi. Mashoko ekutsvaga nzira dzekubatsira Zimbabwe nemari, aburitswa negurukota rinoona nezvekunze kweSouth Africa, Amai Nkosazana Dlamini-Zuma, mushure memusangano wezuva rimwe chete, uyo waitirwa kuSwaziland.

Pamari iri kudiwa neZimbabwe, mabhiriyoni maviri emadhora ekuAmerica anonzi ari kudiwa zvechimbichimbi. Zimbabwe yakatarisana nenguva yakaoma, sezvo isina kana kobiri rekugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Pari zvino hurumende yeZimbabwe inoti haina mari yekubhadhara vashandi vayo, uye mari yekugadzirisa zviri kunetsa mubazi rehutano. Vanhu vasina mabasa vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe nezvina kubva muzana, kana kuti 94%.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakati nyika inoda mabhiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica nechimbichimbi, kuitira kuti ikwanise kutanga hurongwa hwekusimuka.

Asi vanoongorora zveupfumi uye vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze vanoti SADC ine mutoro mukuru, sezvo nhengo dzayo dzisinawo mari.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG