Accessibility links

Breaking News

VaChombo Votosvorana Zvakare neKanzuru yeHarare


Sangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, CHRA, rinoti riri kushushikana zvikuru nekupindira kwave kuita gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, mukufambiswa kwemabasa mukanzuru yeHarare.

CHRA inoti VaChombo vakanyorera tsamba kukanzuru kuti isatorera matanho munyori weguta, VaTendai Mahachi, avo vanonzi vari kuferefetwa nekanzuru nenyaya dzehuwori.

Zvinonzi kanzuru isati yabuda nezvayakawana mukuferefeta kwayo, VaChombo vakatonyora kare tsamba yekutsigira VaMahachi, kunyange hazvo vasati vawanikwa vaine mhosva pane zvavari kuferefetwa.

Mutevedzeri wameya weHarare, VaEmmanuel Chiroto, vabvuma kuti pane tsamba yakanyorwa naVaChombo, asi varamba kukurukura nezvazvo vachiti kanzuru yavo haisati yapedza zvairi kuita. Vatiwo VaMahachi vakadanwa rutatu nechikwata chiri kuvaferefeta, asi vakaramba kumira pamberi pacho.

VaChombo vagara vachipomerwa mhosva yekupindira mukufambiswa kwemakanzuru, zvikuru anotungamirwa nebato reMDC. Studio 7 yatadza kubata VaMahachi kana VaChombo kuti tinzwewo mativi avo sezvo nhare mbozha yavo yanga isinga batiki.

Sachigaro weCHRA VaSimbarashe Moyo vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti sangano ravo rava kuona sekuti VaChombo vava kutanga kupindira zvakare mumakanzuru, sezvavaiita makore apfuura.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG