Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Zimbabwe Ngaitange yaBhadhara Chikwereti Chayo


Sangano reInternational Monetary Fund, IMF, rinoti harisi kuzobatsira Zimbabwe kusvika hurumende yaratidza kuti iri kuda kutevedzera gwara rakati tsvikiti rehupfumi, pamwe nekubhadhara chikwereti chayo kusangano iri.

IMF yakapedza ongororo yayo yeArticle IV muZimbabwe neMuvhuro mushure mekupinda munyika musi wa 9 Kurume.

Vakuru muReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, vanoti Zimbabwe ine chikwereti che US$137 million kuIMF, US$600 million kuWorld Bank ne US$429 million kuAfrican Development Bank.

IMF inotiwo hurumende inofanira kuti idyidzane nevanobatsira vekunze uye kubhadhara zvikwereti zvayo zvose.

IMF inoti yakagadzirira hayo kushanda neZimbabwe kuti ione kuti yagadzira gwara kwaro rezvehupfumi.

VaMutumwa Mawere inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari muzvina bhizimisi. VaMutumwa Mawere, avo vakamboshanda neWorld Bank kwemakore akawanda, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti IMF haingasungirire mari pagumbo rengwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG