Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reWorld Water Day


Zimbabwe yakacherechedza neSvondo zuva rekuwanira vanhu mvura yakachena pasi rose iine zvipingaidzo zvayakatarisana nazvo.

Gurokota rinoona nezve mvura, VaSam Sipepa Nkomo, vanoti bazi ravo richaramba richitsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko remvura, sezvo mari yavapapihwa mubhajeti yegore rino, iri shoma.

Zimbabwe inoda mari inoita 740 million US dollars yekugadzirisa zviri kunetsa mubazi remvura, kuitira kuti vanhu vawane mvura inovakwanira, uye yakachena.

VaNkomo vanoti bazi ravo racherechedza neMuvhuro zuva reWorld Water Day nekuita hurongwa hwakasiyana siyana muHarare.

Marvellous Mhlanga Nyahuye aita hurukuro naVaNkomo kuti zvizere nezvezuva rekuwanikwa kwemvura yakachena pasi rose.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7…

XS
SM
MD
LG