Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votarisirwa Kudzoka Munyika Svondo Rino


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kudzoka munyika neChipiri kubva kuSouth Africa, uko vanga vachizorora vari vachichema kushaika kwemudzimai wavo, Amai Susan Tsvangirai, mutsaona yemotokari yakaitikira mumugwagwa weHarare Masvingo.

Gurukota rinoshanda riri muhofisi yaVaTsvangirai, VaGorden Moyo, vanoti kunyange hazvo VaTsvangirai vari kudzoka, havasi kubva vatanga basa neChitatu, sezvo vachiri pazororo. VaMoyo vatiwo VaTsvangirai vachaita misangano yakati wandeyi apo vachange vari pazororo. Misangano iyi inosanganisirawo yekuzeya zviri kuitika mumapurazi, ayo ari kuramba achibvutwa zvechisimba, pamwe nezvinofanirwa kuitwa nemapurisa mukuita basa ravo.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vanoti vachazotaura zvakawanda nezvemisangano yaVaTsvangirai kana misangano iyi yaitika.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaMaridadi kuti tinzwe nezvekudzoka kwaVaTsvangirai.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...
XS
SM
MD
LG