Accessibility links

Breaking News

Amai Susan Tsvangirai Vorangarirwa muWashington DC


Zvizvarwa zveZimbabwe zviri mu America zviri kuungana neMugovera, Kurume 21, mu Washington DC kumunamato wekurangarira muchakabvu Amai Susan Tsvangirai, mudzimai wemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai. Amai Tsvangirai vakashaya mutsaona yemotokari yakaitika musi wa 6 Kurume mumugwagwa weHarare Masvingo.

Amai Tsvangirai vakavigwa kumusha kwavo kuBuhera mubhuru rekwa Humanikwa musi wa 11 Kurume. Amai Tsvangirai vakaberekwa mugore ra1958 vakaroorwa naVaTsvangirai muna 1978.

Vakasiya murume, vana vatanhatu, Edwin, Garikayi, Rumbudzai, Vimbai, Millicent naVincent, uye vazukuru vaviri, Gamuchirai naShawn.

Musangano wekurangarira Mai Tsvangirai, uchaitirwa pa Ryland Epworth United Methodist Church. Hurongwa uhu huchatanga na 2 kusvika 3:30pm masikati.

Vachange vachitungamira munamato uyu ndi Reverend Gladman Kapfumvuti, avo vari mukomiti iri kuronga nezvehurongwa uhu.

Munamato wekutenda pamwe nekurangarira mabasa akaitwa naAmai Tsvangirai, uchaitwa naReverend Doctor Mapipi Isaac Mawokomatanda.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naReverend Kapfumvuti kuti tinzwe nezvehurongwa hwavo hweMugovera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG