Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoda US$28 Million yeMishonga Inochenesa Mvura


Gurukota rinowona nezvemvura, VaSam Sipepa Nkomo, vanoti dambudziko rekorera rinogona kupera kana bazi ravo rikakwanisa kuwana mari yekutenga mishonga yekuchenesa mvura nechimbichimbi.

VaSipepa Nkomo vanoti pari zvino bazi ravo rinoda mari inoita US$14 million yekuti vatenge mishonga yekuchenesa mvura inogona kushandiswa kwemwedzi mitanhatu. Bazi iri rinoti rinoda mari inoita US$28 million yekutenga mishonga yekuchenesa mvura pagore.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti kusvika nemusi weChipiri, vanhu vanosvika zviuru zvina nemakumi matatu nevanomwe, 4 037 vakafa nechirwere chekoreea, uye vanhu vanodarika 91164 vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu.

VaNkomo vaudza Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 kuti bazi ravo richange riri pamusangano mukuru muBulawayo neChishanu wekugadzirisa dambudziko remvura.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG