Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeMDC Dzinonzi Hadzisati Dzazivikanwa Kuti Dziripi


Zvinonzi kuchine vamwe vatsigiri vebato reMDC vasiri kuzivikanwa kwavari zvichitevera kupambwa kwavakaitwa kubva mudzimba dzavo mukupera kwegore rapera.

Kusaziva kune vanhu ava kwakaita kuti boka reJoint Monitoring and Implementation Committee (JOMIC) riite musangano svondo rapera nemakurukota ezvekuchengetedzwa kwemukati menyika, VaKembo Mohadi naVaGiles Mutsekwa, kuti vatsanangure zviri kuitika pavanhu ava.

Izvi zvinonzi zvakazotsvitsa pakuburitswa muhusungwa kwevanhu vatatu, avo vainzi nehurumende vakanga vasiri vasungwa, asi kuti vaive vafakazi vaichengetedzwa nehurumende. Asi panonzi pachine vamwe gumi nevashanu vasiri kuzivikanwa kwavari kusvika pari zvino sezvo mapurisa achinzi ari kutiwo haana ruzivo nezvavo.

Sachigaro weJOMIC mumwedzi waKurume, uye vari gurukota rezvekurongwa pamwe nekusimudzirwa kwezvehupfumi, VaElton Mangoma, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti komiti yavo ichaita zvose kuti vanhu ava vawanikwe kwavari.

Mune imwewo nyaya, nhengo dzeMDC makumi maviri nenhanhatu dzakasungwa kuBuhera usiku hweMuvhuro dzichipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga pamwe chete nemutevedzeri wameya weguta reMutare, VaAdmire Mukorera, avo vakasungwa neMuvhuro mambakwedza, vapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare remajesitirti kwaMurambinda.

VaMukorera vanzi vabvise madhora makumi mashanu emari yekuAmerica, ukuwo dzimwe nhengo idzi dzanzi dzibvise makumi maviri emadhora emari yekuAmerica. Vanhu ava vari kutarisirwa kudzoka kudare musi wa30 Kurume.

Ukuwo, mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, vanonzi vagadzwa saseneta asina nzvimbo yaanomirira. VaBennett vambopinda mudare redzimhosva kwaMutare mangwanani sezvakatarwa nedare, vakanzi vadzoke zvakare musi wa 21 Kubvumbi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG