Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanotara Bhajeti yeUS$1 billion yeGore ra2009


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti hurumende haina mari, uye hapana zviripo zvinoratidza kuti hurumende ichawana mari yekunze nechimbi chimbi.

Vachitaura pakutura bhajeti regore rino muparamende, VaBiti vati vari kudzikisa huwandu hwemari ichadiwa gore rino, kubva pamari yakanga yaturwa mudare nehurumende yekare.

VaBiti vati Zimbabwe inoda mari inoita US$1billion yekushandisa gore rino, kubva pamari inoita US$1,9 billion yakanga yaturwa kudare reparamende naVaPatrick Chinamasa. VaBiti vati mari zhinji ichabva kumitero inobviswa nevanhu.

Vatiwo zvinhu zvakaomera vanhu, pamwe nenyika, sezvo pasina kutengeserana kunonyatsovandudza hupfumi. VaBiti vati izvi zviri kukonzerwa nenyaya yekuti vanhu havana mari yekutenga zvinhu, izvo zvinozopawo kuti hurumende itadze kuwana mitero kubva kuzvinhu zvinenge zvatengeswa.

VaBiti vati vashandi vanotambira US$150 pamwedzi, vachange vasisabatirwe mari yemutero. Hurumende yatiwo mari inosvika US$294 million, ichashandiswa mukupa vashandi vehurumende mari yekubatsirikana pamwedzi wega wega.

Hurumende yadzikisawo mitero inobviswa pazvinhu zvinenge zvatengewa kunze kwenyika, kubva pazvikamu makumi matanhatu nezvishanu kubva muzana, kusvika pazvikamu makumi mana kubva muzana.

VaBiti vatiwo makambani anotengesa zvinhu kunze kwenyika, haachabatirwa nehurumende imwe yemari yevanenge vawana, sezvo makambani aya achange achibvisa mitero inotarwa nemari yekunze.

Hurumende yatiwo kutanga neChitatu mitengo yose yezvinhu inofanirwa kutarwa nemari yekunze, uye vashandi vose, vanofanirwa kubhadharwa nemari yekunze. VaBiti vakumbira dare kuti ritambire hurongwa hwavatura muparamende neChitatu. Vati bazi rezvedzidzo ndiro richawana mari yakawandisa inoita US$177,6 million, richiteverwa nebazi rezvehutano, iro riri kuwana mari inoita US$157,6 million.

VaBiti vati mukupa mapazi aya mari idzi, zvinoratidza kuti hurumende itsva iri kuda kugadzirisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzedzidzo, hutano, pamwe nekurima. Vatiwo munyika munofanirwa kuva nehutongi hwejechetere, kuitira kuti nyika ikwanise kukwezva nyika dziri kuda kuibatsira.

VaCallisto Jokonya inyanzvi munyaya dzehupfumi uye vaimbova mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries-CZI. VaJokonya vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vemabhizimisi vafara nemashoko aVaBiti.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG