Accessibility links

Breaking News

Mari Dzekuridza  Runhare  Dzinodzikiswa neHurumende


Hurumende yadzikisa mari dzinobhadharwa nevanhu vanoshandisa nhare nezvikamu makumi mana kubva muzana. Izvi zvinonzi zvakatanga nemusi weSvondo.

Gurukuta rinoona nezvehunyanzvi mukufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, vanoti hurumende yakatora danho iri kuitira kuti mitengo yekushandisa dzinhare, ienderane nemitengo iri kushandiswa kuchamhembe kweAfrica.

VaChamisa vanoti hurumende iri kuda kuti vanhu vakawanda vakwanise kushandisa dzinhare kuitira kuti bhizinesi iri risimudzirwe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remakambani edzinhare nenharembozha kuti tinzwe divi ravo. Asi kambani yeNetone inoti yadzikisa mitengo yekufona kubva pa US$0.33 kusvika paUS$0.23 pamineti imwe chete.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro muteereri weStudio7 VaLloyd Choto, avo vanoti vafara nedanho ratorwa nehurumende.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG