Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Haisi Kufara neMabatirwo Ari Kuitwa Nhengo Dzayo


Bato reMDC kuManicaland rinoti mutevedzeri wameya weguta reMutare, VaAdmire Mukorera, avo vakambotorwa nemapurisa kwechinguva neMugovera, vasungwa zvakare mambakwedza kwakare kwaMutare.

Bato iri rinotiwo dzimwe nhengo dzaro makumi maviri nenhanhatu dzakasungwa kuBuhera North manhero eMuvhuro. Dzimwe nhengo gumi dzakasungwa nechitatu chesvondo rapera kuBuhera, dzakamiswa pamberi pedare neMuvhuro kwaMurambinda, uko dzakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kuBuhera pazuva rekuvigwa kwaMai Susan Tsvangirai, zvichitevera kupiswa kwemisha mudunhu iri.

Magweta ari kumirira dzimwe nhengo dzeMDC dzakasungwa mukupera kwegore rapera dzichipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende, audza Studio7 kuti kunyange hazvo vazhinji vakapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, kuchine vamwe vaviri, VaGandi Mudzingwa naVaKisimusi Dlamini, pamwe nemutori wenhau, Anderson Manyere, vachiri muhusungwa.

Mutauriri weMDC kuManicaland uye vari mumiriri weMakoni South muparamende, VaPishai Muchauraya, vaudza Jonga Kandemiiri kuti izvi zviri kuitirwa kukanganisa bato ravo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG