Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopemha Zvakare Mari kuSouth Africa


Hurumende yeSouth Africa inoti bazi rayo rezvemari riri kuzeya nyaya yechikwereti che US$2 billion iri kudiwa neZimbabwe.

Asi vakuru muhurumende vanoti South Africa yatopa kare Zimbabwe R60 million yekutenga zvekurimisa.

Vakuru muhurumende yeSouth Africa neZimbabwe, avo vange vachisangana kuVictoria Falls, vakatenderana neMuvhuro kuti South Africa ibatsire Zimbabwe munyaya dzehupfumi. Zimbabwe iri kukurudzirwawo kutii idyidzane nenyika dzayakarimirana nayo kumuganhu dzakaita sedzemu European Union neAmerica.

Hurumende inonzi haina mari pari zvino, izvo zviri kupa kuti itsvage rubatsiro rwekunze. Gurukota rezvedzidzo, Senator David Coltart, vakabuda pachena kuti hurumende haina mari pari zvino kudzamara yawana vanoibatsira.

Doctor Godfrey Kanynze inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari mutungamiri weLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Doctor Godfrey Kanyenze vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti Zimbabwe inofanirwa kutanga yazvigadzirisa isati yatanga kupemha mari.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG