Accessibility links

Breaking News

VaBiti Voyambira Kuti Nyika Ichaenda kuMawere Kana Ikasawana Mari


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vayambira kuti kana hurumende yemubatanidzwa ikatadza kushanda sezviri kutarisirwa neruzhinji, vanhu vanozogona kuguma vaipandukira.

Vachitaura nevatori venhau VaBiti vanoti venyika dzekunze dzakabudirira vanofanirwa kubatsira nemari hurumende yemubatanidzwa nekuti kupa rubatsiro masangano akazvimirira chete, hakunyatsoyamure hurumende iyi.

NecChitatu Australia yakave nyika yekutanga kuti iri kuzobatsira hurumende itsva, asi America nenyika dzerimusangano reEuropean Union dzinoti dzichatanga dzaona kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachinja maitiro avo here kana kuti kwete.

Doctor Godfrey Kanyenze inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe. Doctor Kanyenze vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vekunze vabatsirewo hurumende nemari.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG