Accessibility links

Breaking News

Canada  Inomisa Mutambo Wayo weCricket neZimbabwe


Sangano rinomirira mutambo wecriket muCanada razivisa kuti richambomisa mutambo wechikwata chenyika iyi neZimbabwe sezvo hurumende yemunyika iyi isiri kufara nemamiriro akaita nyaya dzezvehutano pari zvino muZimbabwe.

Zimbabwe yakatarisana nechirwere chekorera icho chauraya vanhu vakawanda munyika.

Canada yange yakatarisirwa kutamba neZimbabwe muHarare pamitambo yegadziriro ye International Cricket Council World Cup Qualifiers pakupera kwemwedzi uno Kurume.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemuongorori wemutambo we cricket, VaWellington Dangembizi, kuti tinzwe mawonero avo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG