Accessibility links

Breaking News

IMF: Zimbabwe Ngaibhadhare Zvikwereti Kana Ichida Kukwereteswa


Sangano reInternational Monetary Fund, kana kuti IMF, rinoti harisi kuzopa Zimbabwe chimwe chikwereti kusvika yabhadhara chikwereti chayo.

Africa Director musangano reIMF, Muzvare Antoinette Sayeh, vataura mashoko aya kuvatori venhau kuTanzania vachiramba mashoko ari muHerald ekuti IMF ichapa Zimbabwe rubatsiro.

Masangano anoti reIMF, World Bank neAfrica Development Bank, ari muZimbabwe pari zvino achizeya nyaya yekuona kuti angabatsire Zimbabwe sei.

Vakuru muIMF vanoti Zimbabwe ine chikwereti che US$137million. Zvikwereti zveZimbabwe zvinosvika paUS$5 billion.

VaElton Mangoma ndivo gurukota rezvegwara rehupfumi nekukurudzira kutangwa kwezvemabhizimisi kana kuti Economic Planning and Investment Promotion.

VaMangoma vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti rwendo rwuchiri rurefu pakugadzirisa hukama hweZimbabwe neIMF.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG