Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheZimbabwe Chomiswa Kutamba neSri Lanka


Vatsigiri vemutambo weCriket vanoti havasi kufara nekumiswa kwaitwa mutambo weSri Lanka neZimbabwe, uyo wange uchitarisirwa kutambwa svondo rinouya. Vatsigiri ava vanoti izvi zvichadzorera mutambo uyu mumashure.

Svondo rapera hurumende yeNew Zealand yakamisa chikwata chayo che cricket kuti chitambe neZimbabwe mumitambo yema One Day Internationals, ayo aifanirwa kutanga muHarare muna Chikunguru.

Nyika iyi inoti haisi kufadzwa nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe. Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemuongorori wemutambo we cricket, VaBrian Goredema, kuti tinzwe maonero avo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG