Accessibility links

Breaking News

FEWSNET Inoti Chikafu Chava Kuwanikwa Nyore


Sangano reFamine Early Warning Systems Network kana kuti FEWSNET, rinoti chikafu chava kuwanikwa munyika zviri nani sezvo masangano akazvimirira oga pamwe nevanhuwo zvavo vari kuunza chikafu munyika.

Gwaro reFEWSNET raKukadzi rinoti vanotengesa chikafu pamwe nemasangano akazvimirira oga vakwanisa kuunza munyika chikafu chine huremu hunosvika 750 000 metric tonnes yegorosi, uye vanhu vanozvitengera vari kuunzawo chikafu. Izvi zviri kupa kuti mitengo yechikafu idzikire munyika.

Sangano iri rinotiwo hwwandu hwevanhu vari kuda chikafu hwakwira kubva pamamiriyoni mashanu kusvika pamamiriyoni manomwe. VaFambai Ngirande ndivo mutauriri weNANGO

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaNgirande kuti tinzwe mafungiro avo pamashoko eFEWSNET.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

Sangano reFamine


XS
SM
MD
LG